VaKristu vanhasi uno vanofanira kushandura pfungwa dzavo. Vanofanira kutenda kuevhangeri yemvura noMweya yakapiwa naMwari seruponeso rwavo. Tose tinofanira kuwonga Ishe nekutipa evhangeri ino yemvura noMweya. Ko tingareva sei tichiti basa raIshe reruponeso iro rakatisunungura pazvivi zvose zvenyika harina zvarinoshanda? Vanhu vese vanofanira kuzvarwa patsva, kuburikidza nebhuku rino pamusoro peevhangeri yemvura noMweya, nekutenda kuruponeso rwakazadziswa naIshe kamwechete zvachose. Kana usati wava nechokwadi pamusoro pazvo, unofanira kufunga zvakare zvakadzama pamusoro pekururama kwaMwari kwawakapiwa naIshe.
Dieser Download kann aus rechtlichen Gründen nur mit Rechnungsadresse in A, B, CY, CZ, D, DK, EW, E, FIN, F, GR, H, IRL, I, LT, L, LR, M, NL, PL, P, R, S, SLO, SK ausgeliefert werden.