Kereke inochengeta zvirango zviviri izvo zvakarairwa naJesu Kristu. Chekutanga ndeche bhapatidzo, uye chechipiri ndeche Chirairo Chitsvene. Tinodya Chirairo tichidzeya evhangeri yeZvokwadi yakaratidzwa kuburikidza nechingwa newaini, tichirangarira evhangeri ino.
Kana pari pachirango cheChirairo Chitsvene, tinodya chingwa tichirangarira nyama yaJesu, uye tinonwa waini semhemberero yeropa rake. Nekudaro, dudziro chaiyo yeChirairo Chitsvene ndeyekusimbisa kutenda kwedu muZvokwadi yekuti Jesu akatiponesa pazvivi zvenyika uye akatipa hupenyu hutsva kuburikidza nebhapatidzo yake uye nekufa kwake paMuchinjikwa.
Asi, dambudziko nderekuti vaKristu vose vanodya Chirairo Chitsvene sechirango bedzi, pasina kana kuziva kuti chirevo chekuti, "Nyama yangu ndiyo chekudya chaicho, uye ropa rangu ndiro chekunwa chaicho" (Johane 6:55). Naizvozvo, mukati meevhngeri yemvura noMweya, tinofanira zvakare kunangana nedudziro yekuraira kwaJesu kuti tidye nyama yake uye nekunwa ropa rake, uye tigodavira kwairi.
Dieser Download kann aus rechtlichen Gründen nur mit Rechnungsadresse in A, B, CY, CZ, D, DK, EW, E, FIN, F, GR, H, IRL, I, LT, L, LR, M, NL, PL, P, R, S, SLO, SK ausgeliefert werden.